Author: Henry F. Lyte; Unknown Meter: 10.10.10.10 Appears in 1 hymnal First Line: Garai neni usiku hwasvika Lyrics: 1 Garai neni usiku hwasvika.
Tenzi garai neni kune dima.
Vanditiza vamwe vabatsiri,
Mubatsiri wedu garai neni.
2 Upenyu hwachimbidza kuguma,
Kufara kwepasi kunopera
Zvasakara kwazvo zviro zvese,
Usingasakari garai neni.
3 Ndinomuda imwi nguva dzese,
Mutsa unokurira muyedzi
Mudonzvo wangu mutungamiri,
Mudima, pachena garai neni.
4 Imwi muripo handityi mhandu,
Handine kuremerwa mushungu
Kufa, guva, kukunda kuripi?
Ndinokurira mugere neni.
5 Misa muchinjiko ndotandadza,
Penya undinongedze kudenga
Kwayedza kwazvo yabva mimvuri,
Muupenyu mukufa garai neni. Used With Tune: EVENTIDE
Garai Neni